Vadikanwi Vashandi

Mubasa rekuchengeta vanhu (care sector) riri pakati pemabasa akaomarara zvikuru muUK, uko varidzi vekambani vanogara vachishandisa vashandi zvechibharo, vachiramba kutevedzera kodzero dzevashandi uye mitemo, uye vachiba mihoro. Basa rekuchengeta vanhu ibasa rakakosha kwazvo munharaunda yedu; asi vashandi vanoshanda mubasa iri vari kushungurudzwa uye vari kushanda pasi pemamiriro ezvinhu akaoma zvikuru.

Kubva muna Mbudzi 2024, nhengo dzePan African Workers’ Association (PAWA) neIndustrial Workers of the World (IWW) dziri kurwira kodzero dzemabasa nhengo dzavo .kambani inonzi Apple Homecare, iri muNorwich, inotungamirwa naJohn naDennis Bacon. Vashandi vakatibata vakataura nezvekuiswa pazvinzvimbo zvakaoma, vachimanikidzwa kushanda maawa mazhinji uye dzimwe nguva kwemazuva gumi vakatevedzana, vachibhadharwa zvishoma, vachidzivirirwa mihoro yavo, uye vachirwadziswa. Vashandi vazhinji ndevekunze uye vari pasi pemitemo inomanikidza kugara vakabatana nemushandirwi wavo kuti varambe vari munyika. Izvi ndizvo zviri kushandiswa zvisina kunaka neApple Homecare. Zvakare, mushure mekudzinga vashandi, Apple Homecare iri kuvamanikidza kubhadhara mari yekuvatsigira (visa sponsorship fee), izvo zviri kunze kwemutemo. Paedza kubvunza John Bacon nezvazvo, akaramba kupindura.

PAWA neIWW vakabatsira vashandi seizvi kuti vaendese nyunyuto pamwe chete pamusoro pemamiriro avo emabasa. Zvisinei, kubva pakaita nyunyuto iyi, vashandi vakatanga kushungurudzwa zvakanyanya nekambani. Vashandi vatatu havana kubhadharwa mari yavo yaZvita, uye kusvika nanhasi (4 Ndira), vaviri vachiri vasina kubhadharwa. Panzvimbo yekupemberera mwaka mutsva, vashandi ava vakapedza nguva yeKisimusi vachishandisa zvishoma zvavainge vasara nazvo kuti vararame. Izvi zvave nemhedzisiro yakaipa zvikuru. Mumwe wavo anoda mari yekubhadhara mabhiri nekuchengetedza mwana, uye mumwe ari kutyisidzirwa nekudzingwa mumba make.

Mari ichaunganidzwa pachirongwa ichi ichabatsira vashandi vaviri nekukurumidza mukutarisana nematambudziko avo. Kana Apple Homecare ikazobhadhara vashandi vayo, mari iyi ichashandiswa mukurwira mamwe mamiriro akanaka emabasa kune vese vashandi vekuNorwich. Tinokutendai nerutsigiro rwenyu, uye tinotarisira kukuwonai mumatanho anotevera ekurwira kodzero dzevashandi.

Ndapota kugoverana uye kupa kune chikumbiro chekubatana pano Fundraiser for Damith Herath by Norwich IWW London Organising Area : Emergency Solidarity Appeal: Support our Comrades!

Kukuvadzwa kwemumwe, ndekwedu tose!

Sab Cat
Seketari Mukuru weIWW